CHIRWERE cheCOVID-19 chakabatwa muvanhu kuChina muna Zvita 2019. Zvinofungidzirwa kuti chakatanga nekuda kwehunhu hwevanhu vekuChina hwekudya tupukanana twakasiyana-siyana. Mukudya uku ndomakabva hwaive hutachiwana hwemhuka uchiuya muvanhu. Hutachiwana uhwu hunonzi coronavirus asi chirwere chaunokonzera chakazopihwa zita rekuti COVID-19.
Na Chiremba Grant Murewanhema
Nekuda kwekufamba kwevanhu chirwere ichi chakapararira nekutekeshera nyika dzose dzepasi rose. Chakanyanyisa kukonzeresa bongozozo nekusagarika munyika dzinenge ana Spain, Italy nevaivembove vapambepfumi veZimbabwe, Great Britain zvekare ne America. Munyika idzi chakauraya chakapararira kuenda kuuwandu hwevanhu hwave kudarika mamirioni gumi nevaviri chikauraya zvekare vanhu vanodarika zviuru 500 nevanoraudzira.
Vanhu vazhinji vanobatwa nehosha iyi vanokwanisa kuikunda pasina kurwara kana kuratidzira urwere kwakanyanya.
Asi mune vamwewo chinokonzoresa mabayo kana kumwe kurwara kwakasimba. Vanhu vakanyanya kukanganiswa nechirwere ichi vanosanganisira vanorwara neshuga, neBP, ashtma, vane muviri yakakura zvakadarikidza mwero uye nevane zvimwewo.
Munyika yedu yeZimbabwe munhu wekutanga akabatwa nacho musi wa20 March 2020 mushure mekunge abva kunze kwekunyika kwaaishanya. Kubvira ipapo huwandu hwechirwere ichi hwaiwedzera zvishoma nezvishoma. Kwemwedzi mitatu yekutanga makumi mashanu evanhu ndiwo chete akanga abatwa chirwere ichi uye vakanga vasingarwari. Zvisinei mumavhiki mashoma adarika taona huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi huchiwanda zvinokatyamadza. Pari zvino tave nechiuru nezana nevanoraudzira vabatwa nechirwere ichi, uye tashaikirwa nevanhu vanosvika makumi maviri.
Zviri kuratidza kuti kana tikasakoshesa kudzivirira chirwere ichi kwatiri kuenda kuchava nekugeda geda kwemheno. Nekuda kwekuti hurumende haisi kunyatsokubuda pachena kuti matanho anngatorwa kuti chisarambe chichiparira nyika yose, zvakuda iwe sedungamunhu kuti uise kudzivirirwa kwechirwere ichi mumaoko ako.
Zvave kuda kuti isu sevanhu titsvage ruzivo rwakazara rwekuzvidzivirira. Muzvinyorwa zvinotevera tichawana mukana wekurangaridzana zvekare pamusoro pekumhoresana, kugeza maoko, kumira mumutsara kwatakutarisirwa kuita, uye dzimwe nzira zhinji dzekuzvidzivirira kubva kubatira hutachiwana hunokonzeresa chirwere cheCOVID-19.
Ibasa redu tose kuti tizvichengetedza pamwe nemhuri dzedu nenharaunda dzedu. Ngatisamirirai kuudzwa zvekuita chete asi ngatingove vakachangamuka. Tikabatana pamwe chete tichakunda chirwere ichi sekukunda kwatiri kuita zvizhinji zvinomanikidza hupenyu zvatiri kusangana nazvo mukurarama sevana veZimbabwe.