Varume Vakurudzirwa Kuita Bonde Nekurasa Mbeu ka 21 Pamwedzi Kudzivirira Gomarara Reprostate

BAZI rinoona nezve utachiona hweGomarara mu Zimbabwe, Cancer Association of Zimbabwe (CAZ) rakurudzira vanhurume kuti vaite bonde chaizvo kana kurasa mbeu kanokwana iko makumi maviri neimwe (21) kuita kudzoivirara hutachiona kwegomarara re Prostate (Prostate Cancer).

Na Michael Gwarisa

Vachitaura ivo pamusangano wevatori venhau wakarongwa ne Bazi Re zvehutachiona hwe HIV Muzimbabwe re National Aids Council (NAC) wakaitirwa ku Chinhoyi, Vanoona Nezvekufambiswa kwemashoko ku CAZ, Muzvare Priscilla Mangwiro vakati mutsvakurudzo dzakaitwa nanamazvikokota, zvinoratidza kuti kurasa mbeu kanokwana iko makumi maviri neimwe pamwedzi woga woga kunogona kuderedza mukana wekuti varume vabate hutaichaiona hwe gomarara re prostate.

Ichokwadi, tsvakurudzo dzakaitwa manje manje dzinoiratidza kuti varume vakarora nevose vanoita zvebonde vanogona kuderedza dambudziko re hutachiona uhu kana vakaradsa mbeu knaokwana makumi maviri neimwe pamwedzi.

“Asi tinokurudzira kuti bonde iri ringe richiitwa neshamwari imwe chete yepabonde kana kuti ringe rakadzivirirwa kuitira kudzivirira kubata zvimwe zvirwere zvepabonde zvakare ne mamwe magomarara,” vakadaro Muzvare Mangwiro.

Vakati ivo dambudziko regomarara re Prostate rakanyaya zvakare kukurisisa muvarume vechitema kudarika mamwe marudzi.

“Dambudziko iri rakanyanya kukura muvarume vechitema kudarika mamwe marudzi. Chimwe chinotikatyamadza ndechekuti mu Zimbabwe, dambudziko iri rikukura zvakare muvarume vane makore ari pasi pe makumi mana (40).

“Gomarara chirwere chinokonzereswa nemararimiro nemagariro atinoita antinoti malifestyle diseases. Izvi zvinoreva kuti tinogona kudzivirira zvirewre izvi kana tikatora matanho ekurarama zvakanaka. Tinogona kudzivirira kubata makomarara akasiyna siyana ne kuregedze kuputa fodya, kudya chikafu chine Mafuta akawanda, kuregedza kumwa doro nemamwe maitiro atingangodaro takatoredzera kunyika dzekunze.”

 

Comments

comments

Related posts