MAPURISA akapa chenjedzo kuvabereki nevana vezvikoro zvichibva mumanyama amire nerongo aita pwere dzedu muzvikoro. Hatina chokwadi kuti izvi zvaigaroitika here, kana kuti zvitsva. Ingave nhau yekuti kwava nenharembozha dzotora mifananidzo izvo zvoita kuti nhau dzibude pachena nekukasika.
By Catherine Murombedzi
Havasi vans vese vave kuita chakapedza mbudzi, vashoma ivavo mucherechedzo wedambudziko rapinda muvana.
Mumwe angati, “haasi wangu mwana aita chisionekwi ichi, asi, yeukai, mwana ndewe munhu wese.”
Kubvira kudzokera kwaita vana vari mugwaro rekunyora bvunzo regwaro reChinomwe, gore reChina nereChitanhatu kuchikoro chesekondari, zvataona zvobuda mugapu iri zvaratidza kuti mabhuku asendekwa, vana votandanisa tsuro mbiri. Munoziva chinobuda hapana nhau iyi ikasakurukurwa nekugadziriswa pachine nguva. Muimbi mukuru, muchakabvu Oliver ‘Tuku’ Mtukudzi akaimba, “hatina nguva yatinofunga kuti tinayo.”
Chakupa ronda chati nhunzi dzikudye, ngatichirape kuti tidzinge nhunzi.
Chii chaita musoro uteme?
Mifananidzo yevana vachiputa zvinodhaka, vachitsvodana, vachiita bonde, vachitamba zvekukwezva zvikomana, pachirungu yaunoti, seductive dance, kahunhu kasingade chikoro kunge munhu arasa pfungwa, kuonererwa nemari zvazara padande mutande. Chokwadi izvi zvoita sokunge kusina chikoro chisvinu muZimbabwe. Aiwa, vanoda chikoro variko, asi, zivai, nzungu imwe yakaora inowodza dama rese.
Pakuodza dama rese, ndipo panoonekwa kwatingati kufurirwa (peer pressure). Chokwadi, dzingatoore nzungu dzese tikarega kutora yaora iya, toisukuta kuda ichiri kudyarika pakare. Tikairegerera nzungu iyi, tinoirasa, wanikwe mavambo epwere, atove magumo.
Tsamba iyi yakanyorwa nebazi remapurisa emu Gweru yakazotenderera mame mapurisa mumatunhu avo vopao chenjedzo.
“Vabereki maswera sei? Vari kutevera Social Media ndinovimba muri kuona zvimwe zvezvinhu zviri kuitwa nevana vatakabereka. Nguva iri kufamba Form 3s ne5 vari kutevera kuzvikoro. Tichirinavo kumba kudai, ngatiyedze kutaura navo about drug abuse, online sexual abuse & dangers associated nekushandisa maphone. Vana vari kutorana mapics nemavideos, asi nemberi uko, zvinenjodzi yakakurisa. Zvinhu izvi chero ukaita delete asi mumasai sai hazvibudi. Mapic iwayo vachazoshungurudzwa nawo mberi muhupenyu. Vamwe vana vari kutora zvinodhaka zvakadai sembanje, doro etc vozopedzisira vaita zvisina kunaka. Vana ava ndevedu, vanobva kwatiri, saka ngatitaure navo tichigadzirira kuinda kwavo muzvikoro. Taurai chero nevasiri venyu mwana ndewedu tose. Kuma church, vafundisi garai pasi nevana muchivaonesa kuipa kwezvinhu izvi. Imhosva zvekare kutumira mapic emunhu zvisina mvumo. Muve nezuva rakanaka nehurukuro yakanaka nemhuri yenyu.”
ZRP Information Desk
Gweru District.
Hapana chekupamhidzira kana kubvisa, mazvionera mega, mapurisa haasi pakusunga vatyora mitemo bedzi, vari pakudzidzisa nekupa chenjedzo.
Ndichitaura nemudzimai anova mubereki, akati, “Chawana muzakwa chapita, mawa chirikwainu,” (chawana hama hachisekwe, mangwana chiri kwako).
Mai vane vana vairi muzvikoro vanoti dai taita zveshamhu chaiyo mwana achanzwa.
“Taisidzora vana neshamhu vachiteerera,
“Ngatiiseyi misoro pamwe chete tibatsire vana. Tikaregerera vana vari muchoto vanotsva chinobudapo hapana. Rinozova dambudziko redu zvakare,” vakadaro mai ava vakaramba kuti zita ravo ribude.
Munyika muno kuranga means neshamhu hakuchatenderwi, imhosva inopinza mupari muchizarira kwemakore anoraudzira.
Pachirungu vanoti, sendekai shamhu parutivi morera mwana asinganzwe. (Spare the rod and spoil the child.)
Ngatitaurei nevana, rufaro mwena runoguma. Mangwana mufananidzo uya uchadzoka rave dzangaradzimu richapunza upenyu.
● Ngatikurukurei: cathymwauyakufa@gmail.com