Corona Yava Kuda Kuita Muonera Pamwe, Chuma Chemuzukuru

Dr Grant Murewanhema

NYIKA yaminama iyi. Kunze kwaita chikara, Dzihwamupengo rasiya misodzi pamatama evana vevanhu. Vamwe ndivo vari kuti midzimu yatifuratira. Vamwe ndivo vari kuti mwari atipira gotsi. Hapana achaziva maperero azvo. Chinhu chimwechete chandinoda kukudzai ndechekuti nerimwe remazuva, kunyange iro Denda re COVID iri richapera tikadzokera pedu pakare paye. Kasi zvinoda kuti tibatirane pamwechete. Na Sekuru Grant Murewanhema Ngatirambei tichishanda pamwe chete kudzivirira kuwedzera kuparara kwechidzihwamupengo chadai kutekeshera nyika yose. Chirwere ichi chiri kuramba chichititorera vadikani vedu, vavakidzani nehama neshamwari, zvinova zvinhu zvinorwadza samare. Ngatirambei tichiyeuchidzana kupfeka mamask zvakanaka, kumira takasiya nhanho…

Read More