VANHU vakawanda vakambobatwa ne denda re COVID-19 munguva yakati pfuurei, varikuratidzika kuti vachiri kushungurudzwa nezviratidzo zve COVID-19 nezvimwe zvirerwere zvakawanda kusanganisira kupera simba kwenhengo dzana baba dzesikarudzi panguva dzebonde.
Na Michael Gwarisa
Dambudziko rehurwere mushure me COVID rakatumidzwa nana mazvikokota kuti Long COVID.
Vachitaura nevatori venhau muguta guru re Harare pamusangano wakarongwa neve Health Communicators Forum of Zimbabwe (HCF), Muzvinamushonga wema ndiriri, va Tinashe Mudzviti vakati ivo varume vakawanda vakuuya ku ma pharmacy emuzvipatara zvehurumende ne ayo akazvimrira vachitsvaga mishonga kana mapiritsi angavabatsira kuti vawane simba.
Ichokwadi, varume vakawanda vakambosangana ne denda re COVID varikuchema chema nenyaya yekuti nhengo dzavo dzesikarudzi hadzichashanda zvakanaka. Vazhinji vari kutsvaga rubatsiro kuti vaone kuti vangaite sei kuti vadzokere pavaimbova maererano nebonde,” vakadaro Musvinamushonga Mudzviti.
Vakaenderera mberi vakati vanhu vakawanda kusanganisira varume nevakadzi vakamboita COVID varikusanga zvekare nedambudziko rezvirwere che Shuga ne zve moyo icho chavanga vasinmborina pangu iyo denda re COVID rusati ravabata. Vana Mazvikokota vakawanda vanoti ivo kupra simba kwe nhengo dzana baba kunogona zvekare kukonzerwa ne zvirwere zvakaita se Shuga, chirwere chemoyo nezvimwe zvakadaro.
Kunyangwe kupera samba kwenhengo riri iro dambudziko rikusangana nana baba vakawanda vakamboita chirwere ichi, zvinoratidza kuti kunyangwe vana vadiki nemadzimai nevasikana vakamboita chirwere che COVID vane matambudziko nezviratiodzo zvavowo avari kusanganawo nawo zvakare.
Matambudziko akusangana nevana vadiki kubva kuzvindumurwa kuzvika kune vachangoti samhukei anosanganisira kunetseka nekufema panguav dzekurara, kushaya hope, kumera mapundu nekujita Munyawiri, nezvimwe zvakadaro. Kumadzimai nevasikana zviratidzo zve Long COVID zvikuonekwa kunnyanya ne kutadza kana kunonoka kuenda kutevera kana kuti kuenda kumwedzi, kuita hasha nguva zhinji, kungonzwa kuneta nezvimwe zvakadaro.
“Muvana vadiki pari kuitika dambudziko rekuti kubata zviratidzo zve zvirwere izvi kuti netsei. Vana vana nguva dzakawanda vanenge vasinagzive kuti vakunyatsonzwei kana kuti zviratidzo zvipi zvavari kunzwa. Kunyangwe tisina humboo hwakakwana hwekuti madzimai akusanga nedambudziko rekuti vanohona kutadza kutevera, zvinoratidza kuti kune dzimwe nyika dzakaita tsvakurudzo, madzimai akwanda akusanga ne dambudziko re kuti kuenda kumwedzi kwakunetsa kana kuti kunogona kunonoka kana kukurumidzisa.”
Kunyangwe zvazvo dambudziko re Long COVID ririkutekeshera, zvinoratidza kuti vanhu vakabaihwa nhomba ye COVID kusanganisira booster shot havasi kusangana nematambudziko akanyanya sezviri kuita avo vasina kumbobvira vabaiwa. Nhengo dzemuviri dzirikunyanya kuhwanda hutachinoa nehurwere apa munhu aneneg ane Long Covid dzinosanganisira Mumoyo, Mumapapu, itsvo, chiropa, rwatata, mudumbu, matumbu nemutsinga hombe dzemuviri.