Kubvisa Pamuviri Ikodzero yeutano Kumadzimai

Ne Munyori Wezvehutano VASIKANA vechidiki pamwe nemadzimai vari kupemberera zvikuru  kuvandudzwa uko kwakaitwa mutemo uri maringe nenyaya dzekubviswa kwepamuviri apo wakanyevenutswa nedare guru reHigh Court kuti vange vachikwanisa kubviswa pamuviri muzvipatara  kana pamuviri pachinge pauya nenzira yechibharo  chemuwanano (marital rape)  uye kuvanasikana vari pasi pemakore 18 ekubererwa kana vachinge vangoita pamuviri zvisinei nekuti vatendererana nemupari wemhosva here kana kuti kwete sezvo  pwere pamutemo dzisingakwanisi kubvuma bonde. Kusandurwa kwemutemo uku kwakavapo nekuda kwemushandirapamwe wesangano remagweta anomiririra madzimai nevanasikana veWomen and Law in Southern Africa Zimbabwe (WLSA), Women’s Coalition of Zimbabwe (Wcoz),…

Read More

Madzimai Ane Zvivakashure Zvakati Kurei Haarware-rware

Nyaya na Michael Gwarisa Mazuvano, madzimai nevasikana vari kumhanya mhanya kuda kuita zvidya mafuta zvisingakore kana kuti ma Slender. Hazvina kushata, kasi manga muchizviziva here kuti kune tsvakurudzo yakaitwa inoratdiza kuti madzimai ane mwanda we zvivakashure ane hutano uye haarware rware sezvinoita avo vasina. Tsvakurudzo yakaitwa ne chikoro chezvidzidzo zvepmusoro che Oxford University’s . Pamadzimai zviuru gumi ne vavatanhatu (16,000) vakaongororwa musarudzi idzi varatidza kuti vakadzi vane zvivakashure zvakati kurei havangiorina njere chete muchikoro kasi havarware rware nezvirwere zvinonzi ma chronic illnesses zvinobata avo vasina. Mukru we tsvakurudzo idzi, Muzvinafundo…

Read More

Varume Vakamboita COVID Voshungurudzwa Nedambudziko Rekupera Simba Kwenhengo Dzavo Dzesikarudzi

VANHU vakawanda vakambobatwa ne denda re COVID-19 munguva yakati pfuurei, varikuratidzika kuti vachiri kushungurudzwa nezviratidzo zve COVID-19 nezvimwe zvirerwere zvakawanda kusanganisira kupera simba kwenhengo dzana baba dzesikarudzi panguva dzebonde. Na Michael Gwarisa Dambudziko rehurwere mushure me COVID rakatumidzwa nana mazvikokota kuti Long COVID. Vachitaura nevatori venhau muguta guru re Harare pamusangano wakarongwa neve Health Communicators Forum of Zimbabwe (HCF), Muzvinamushonga wema ndiriri, va Tinashe Mudzviti vakati ivo varume vakawanda vakuuya ku ma pharmacy emuzvipatara zvehurumende ne ayo akazvimrira vachitsvaga mishonga kana mapiritsi angavabatsira kuti vawane simba. Ichokwadi, varume vakawanda vakambosangana…

Read More

Ngatikurukurei nezvegwirikwiti

Dr Grant Murewanhema

Gwirikwiti chirwere chinonyanyobata vana vadiki, chinokonzerwa nehutachiwana hwe measles virus uhwo hunopararira zvakanyanya nekuchimbidza. Na Chiremba Grant Murewanhema Hutachiwana uhwu hunowanikwa nekufema mhepo yakosorerwa nemunhu ane gwirikwiti, kana kuti nekubata nzvimbo dzinenge dzakosorerwa nemunhu ane chirwere ichi. Kutaura kuno nyika yeZimbabwe iri pakati pekurwisana nechirwere ichi chatobata vana vanokwana zviuru zvitanhatu nevanoraudzira uye chikatora upenyu hwevana vanosvika mazana manomwe. Dunhu reManicaland ndiro ranyanyobatwa nechirwere uye kurasikirwa nevana vakawanda. Chikonzero ndechekuti kudunhu iri kune vanhu vane uwandu vane chitendero chisingabvumidze kubayiwa kwenhomba. Panogona kunge paine vamwewo vana vakasarira kubayiwa nekuda kwematanho…

Read More

Doggy Inokonzera Cancer Ne Stroke

VAIMBOVA gurukuota rezvehutano munyika ye South Africa, va Pakishe Aaron Motsoaledi vakonzeresa mvonga mvonga mushure mekunge vati ivo kuita bonde hwe mbwa kana kuti inonzi pachirungu Doggy kunogona kukonzeresa kuti varume vaite gomararra (cancer) kana ku stroka. Munyori We HealthTimes Vakati ivo kune tsvakurudzo yakaitwa kwemakore matatu munyika ye South Africa inoratidza kuti kumhanya kunoita ropa nguva dzebonde kana munhu achinge akamira kana kupfugama panguva dze Doggy kunoita kuti ropa riwandire kumakumbo zvinova zvinozokonzera kuti varume vastroke. Vachitaura nebepa re The Insider, Va Motsoaledi vakati ivo, “Panyaya ye gomarara, chimwe…

Read More

Corona Yava Kuda Kuita Muonera Pamwe, Chuma Chemuzukuru

Dr Grant Murewanhema

NYIKA yaminama iyi. Kunze kwaita chikara, Dzihwamupengo rasiya misodzi pamatama evana vevanhu. Vamwe ndivo vari kuti midzimu yatifuratira. Vamwe ndivo vari kuti mwari atipira gotsi. Hapana achaziva maperero azvo. Chinhu chimwechete chandinoda kukudzai ndechekuti nerimwe remazuva, kunyange iro Denda re COVID iri richapera tikadzokera pedu pakare paye. Kasi zvinoda kuti tibatirane pamwechete. Na Sekuru Grant Murewanhema Ngatirambei tichishanda pamwe chete kudzivirira kuwedzera kuparara kwechidzihwamupengo chadai kutekeshera nyika yose. Chirwere ichi chiri kuramba chichititorera vadikani vedu, vavakidzani nehama neshamwari, zvinova zvinhu zvinorwadza samare. Ngatirambei tichiyeuchidzana kupfeka mamask zvakanaka, kumira takasiya nhanho…

Read More

Varume Yamwai Mazamu Emadzimai Enyu Nguva Dzose Kuti Mukurumidze Kuziva Kana Madzimai Enyu Akumera Gomarara Remazamu (Breast Cancer)

DAMBUDZIKO re Gomarara kana Cancer yemazamu (Breast Cancer) nderimwe ratekeshera nenyika ye Zimbabwe ne pasi rose. Na Michael Gwarisa Munyika ye Zimbabwe, kunyangwe zvazvo Gomarara rechibereko riri iro rino bata pamwe nekuuraya madzimai akawanda, zvinoratidza kuti dambudziko re cancer yemazamu ririkukura zvakare. Vachitaura Pane Umwe Musangano wakaitwa munyika ye Nigeria ku Upper East Region, Mbuya Nyamukuta Mary Azika  vakati ivo kuyamwisa varume mazamu kunogona kupedza dambudziko re gomarara re mazamu nekuti kazhinji kacho chinoita kuti vakadzi vaende kuchipatara chirwere chakomba inyaya yekuti vanenge vanonoka kuzviona. Izvi vakataura pamusangano wakarongwa ne…

Read More

Zvaungade Kuziva Nezve Pfizer COVID-19 Vaccine

NYIKA ye Zimbabwe mumwedzi iri kutevera ichange ichibaya  nhomba kana kuti vaccine re kudzivirira kubva kuhutachiwana hwe Coronavirus hunokonzera denda re COVID-19. Mumiriri we United Kingdom (UK) mu Zimbabwe, Muzvare  Melanie Robinson vakavimbisa ivo kuti nyika yavo ichange ichibatsira nyika ye Zimbabwe nekubaya vanhu mamiriyoni matatu nhomba yekudzivira kubva ku Covid-19. Na Michael Gwarisa Zvipatara zvakawanda mu Britain zvakatotanga kubaya vanhu domwe rekutanga (first dose) re vaccine re Pfizer. Bazi rinoona nezvehutano mu Britain re National Health Service (NHS) rakati iro nhomba ye Pfizer rakachena huye harikuvadzi zvakare rinodziviria kubva…

Read More

Ndevapi Vakubvumidwza Kufamba ne Kushanda PaLockdown (Essential Services)?

ZVICHITEVERA kutemwa kwakaita matanho matsva e Lockdown kuitira kudzivirira kupararira kwe denda re COVID-19, ve Zimbabwe Republic Police (ZRP) ne hurumende ye Zimbabwe vaburitsa ivo mhando yevanhu ichange ichibvimidzwa kudarika pama road block emapurisa zvisina dambudziko mumazuva makumi matatu arikutevera. Na Michael Gwarisa Izvi zvinotevera kushambadzwa kwe Statutory Instrument kana kuti Si 10.21 inoburitsa pachena kuti munhu anonzi essential service ndeupi uye anobvumidzwa kuenda kubasa kana kushanda ndiyani. Mutauriri we mapurisa va Assistant Commissioner Paul Nyathi vati ivo ruzhinji rweZimbabwe rwunofanira kugara kudzimba rwuchitevedzera danho relockdown level 4. Va Nyathi…

Read More

Madzimai Akupedzwa Nzara Yebonde Ne Gym Ne Mabasa- Vana Mazvikokota

MUDZIMAI akagarisa  asina kunzi tokonyo zvinogona kuvhiringa zvakwanda. Zvino kunze kwaita dambudziko, madzimai akawanda haachafarire bonde nekuda kwezvikonzero zvakwanda mazuva ano. Umwe Mazvikokota pane tsvakurudzo dzakaitwa anoti iye madzimai akupedzwa simba kugym, huye nekuita mabasa akawanda zvinosangasira anoita kuti vanete pfungwa zvese nemuviri. Na Michael Gwarisa Tsvakurudzo yakaitwa ku United Kingdom ye National Survey of Sexual Attitudes inoratidza kuti vanhu havachafadzane pabonde sezvaiitwa chinyakare. Sarudzo idzi dzakaona kuti mugore ra 1990, murume nemukadzi vaigona kuita bonde kshanu pa mwedzi, mugore ra 2000, vadikani vaiita bonde kana (4 times) tozoti muna…

Read More