HealthTimes

Kudya Sikarudzi Dzakawanda Kunogona Kukonzera Gomarara Re Mumuromo ne Pagurokuro- Vanamzvikokota

WANGA uchizviziva here kuti kudya sikarudzi senzira (Oral Sex) yekuita bonde kunogona kukuisa muna taisireva? Njodzi huru iripo kana uri munhu uya anosangana neshamwari dzakawanda dzepabonde huye uchifarira zvekudya yekera.

Na Michael Gwarisa

Vanamazvikokota vanoona nezve denda re Gomarara kana kuti Cancer vanoti ivo zvinokwanisika kuti hutaichiona hwe Human Papilloma Virus (HPV) hunokonzera cancer kuti hutapururanwe kupfurikidza ne nekudya sika rudzi dzaka siyana siyana.

Kune tvsakurudzo dzakanyorwa mu Annals of Oncology dzakatarisa zvakawanikwa ne National Health and Nutrition Survey zvinova zvakaratidza kuti vanhu zviuru zvemazana 13, 089 vemakore ari pakati pe makumi maviri ne tanhatu (26) kusvika pa makore makumi matanhatu ne pfumbamwe pakati pa 2009 kusvika 2014 dzekutarisa kuti vanhu vangani vaiwanikwa vaine hutachiona hwe HPV.

Vanamazvikokota vakatirisa zvekare mitumbi yevanhu vakanga vafa negomarara kuona kuti vanhu vangani vanga vafa ne gomarara repagurokuoro kana kuti Throat Cancer kubva ku HPV. Mutsvakurodzo idzi, zvakaratidza kuti varume vakawanda 15% vakanga vafa ne denda iri kunyangwe zvavo vanga vasingapute fodya inova imwe nzira inokonzera throat cancer.

Zvakaratidza kuti varume vaive neshamwari dzepbonde shanu zvichienda mberi vakange vafa nechirwere che gomarara repagukuro.  Zvakawanika izvo 70% yendufu dze throat cancer dzinokonzerwa ne HPV.

Chiremba Mukuru pa Ohaio State University va Ted Teknos vanoti ivo hutachiona hwe HPV huri kukonzera nyonga nyonga huye vanhu vakawanda vakubatwa ne gomarara repagurokuro.

HPV yepahuro haina zviratidzo zvinoonekwa nekukurumidza, kasi nekufamba kwenguva panoita kuzvimba chingenge chibhora chinoonekwa pahuro. Paye panozvimba kana uchinge waita ma Tonsils ndipo panowanzo zvimba zvakare kana gomarara nepagurokuro rakubata.

“Zvimwe zviratirdzo zve throat cancer zvinosanganisira kutadza kumedza, kushanduka kwe inzwi nekurwadza pahuro zvisingapere,” vakadaro Chiremba Teknos.

Va Teknos vakati ivo izvi hazvifanire kutysidzira vanhu kuti vasadyanane kwete, kasi vakakurudzira kuti vanhu vavimbike kumudiwa mumwechete wepabonde kuitira kudzivirira kupararira kwe HPV inokonzera gomarara. Vakakurudzira zvakare kuti vanu vashamndise ma Kondomu eparurimi ma Ultra-comfortable Lelo Hex Condoms.

Vakati zvakara ukange wanzwa zviratidzo zvataurwa pamusoro apa, mhanya utariswe nekuti ichi chirwere chinorapika huye 90% yevanhu vanobatwa negomarara nepagurokuro vanopora kana vakawana rubatsiro nguva iripo.

Nyaya izere pa Men’s Health Dzvanya apa

Read More Articles