Ngatikurukurei nezvegwirikwiti

Dr Grant Murewanhema

Gwirikwiti chirwere chinonyanyobata vana vadiki, chinokonzerwa nehutachiwana hwe measles virus uhwo hunopararira zvakanyanya nekuchimbidza. Na Chiremba Grant Murewanhema Hutachiwana uhwu hunowanikwa nekufema mhepo yakosorerwa nemunhu ane gwirikwiti, kana kuti nekubata nzvimbo dzinenge dzakosorerwa nemunhu ane chirwere ichi. Kutaura kuno nyika yeZimbabwe iri pakati pekurwisana nechirwere ichi chatobata vana vanokwana zviuru zvitanhatu nevanoraudzira uye chikatora upenyu hwevana vanosvika mazana manomwe. Dunhu reManicaland ndiro ranyanyobatwa nechirwere uye kurasikirwa nevana vakawanda. Chikonzero ndechekuti kudunhu iri kune vanhu vane uwandu vane chitendero chisingabvumidze kubayiwa kwenhomba. Panogona kunge paine vamwewo vana vakasarira kubayiwa nekuda kwematanho…

Read More