Ngatikurukurei nezvegwirikwiti

Gwirikwiti chirwere chinonyanyobata vana vadiki, chinokonzerwa nehutachiwana hwe measles virus uhwo hunopararira zvakanyanya nekuchimbidza.

Na Chiremba Grant Murewanhema

Hutachiwana uhwu hunowanikwa nekufema mhepo yakosorerwa nemunhu ane gwirikwiti, kana kuti nekubata nzvimbo dzinenge dzakosorerwa nemunhu ane chirwere ichi.

Kutaura kuno nyika yeZimbabwe iri pakati pekurwisana nechirwere ichi chatobata vana vanokwana zviuru zvitanhatu nevanoraudzira uye chikatora upenyu hwevana vanosvika mazana manomwe. Dunhu reManicaland ndiro ranyanyobatwa nechirwere uye kurasikirwa nevana vakawanda. Chikonzero ndechekuti kudunhu iri kune vanhu vane uwandu vane chitendero chisingabvumidze kubayiwa kwenhomba. Panogona kunge paine vamwewo vana vakasarira kubayiwa nekuda kwematanho ataive nawo mumakore maviri apfuura ekudzirira kupararira kwedzihwamupengo reCOVID-19.

Chirwere chegwirikwiti ndechimwe chezvakatarirwa neWorld Health Organisation uye nehurumende yeZimbabwe kuti chidzivirirwe nekubayiwa kwenhomba muvana mushure mekunge tsvakurudzo dzaratidza kuti nhomba dzinodzivirira rufu kana utenda mushure mekubatwa negwirikwiti, uye kana vanhu vane uwandu vakabaiwa kusvika pane inonzi herd immunity chirwere ichi chinombosuduruka. Kugara pakamanikidzana uye kusava nechikafu chakakwana mumuviri ndezvimwe zvinowedzera kupararira neukasha kwegwirikwiti. Madzimai akazvitakura ariwo zvakare panjodzi yekukanganiswa nechirwere ichi kunyanya kana vachinge vasina kubaiwa. Kubaiwa nhomba kana kurwara nechirwere chegwirikwiti kunosimbisa muviri kwehupenyu hwese kubva pachiri.

Kubva pane manhamba ari kuburitswa neMinistry of Health, chirwere ichi chiri kunyanyira kuvana vasina kubayiwa, zvekare vana vakawanda vari kushayika ndevaya vasina kubayiwa. Nekudaro zvakakosha kuti pari zvino kana mwana wenyu aifanira kubayiwa asi akajamba chikamu chake mumhanye naye kunobayiwa kana asiri kurwara, zvekare avo vave kufanira kubayiwa ngavabayiwe. Vana vanofanira zvakare kuwana Vitamin A uye kudya chikafu chine zvese zvinodiwa nemuviri kusanganisira mavitamins.

Cherechedzai zvinhu zvakafanana nekupisa kwemuviri, mhezi dzinopararira muviri wese kutangira kumeso, dzihwa kana chikosoro, kuramba kudya, kusatamba semazuva ose, manyoka kana mavara matsvuku mukanwa. Zvose izvi zvinogona kureva kuti mwana abatwa negwirikwiti saka zvinogona kuongororwa nekukasira.

Ngatishambadzirei shoko rekuti kwaita denda iri kunyanya kuhama dzedu dzinogara kumamisha uye dzechitendero chechipostori chisingabayise vana nhomba. Ngatikurudzirei vabereki kubayisa vana, zvekare vana vanenge vaita micherechedzo yandareva pamusoro vaendeswe kuchipatara kunoongororwa, zvekare varege kusanganiswa nevamwe vana, kunyanya avo vasina kubayiwa kana kumborwara nechirwere ichi.

Ngatiisei musoro pamwe uye tishande pamwe ne Ministry of Health nevamwe mapazi ezvehutano pakurwisa nekupedza hosha iyi. Ndatenda zvikuru.
(Doc Grant)

Related posts