NYIKA dzakawanda pasi rose kusanganisira nyika yedu ye Zimbabwe dzirikugadzirira kutambira mushonga nemajekiseni achange achishandiswa kubaya vanhu kuti vadzivirirwe kubva kuchirwere che COVID-19 chinokonzerwa nehutachiwana hwe Coronavirus.
By Michael Gwarisa
Nyika ye Zimbabwe mumazuva mashoma arikutevera ichange ichigamuchira Vaccine re COVID-19 kubva kunyika ye China nedzimwe nyika dzakavimbisa kuti dzichazenge dzichibatsira Zimbabwe mukurwisana ne denda iri. Amwe ema Vaccine atinofanira kutarisira kuwana anoti iwo SINOPHARM reku China, COVAX ratichawana kuburukidza nerubatsiro rwe nyika ye United Kingdom (UK) ichibatsiran ne bazi re World Health Organisation (WHO) nemamwewo akadaro.
Mutungamiri we nyika ye Zimbabwe va Emerson Dambudzo Mnangagwa vakataura ivo kuti nyika ye Zimbabwe ichange ichizoshandisa mavaccine akasiyana siyana vachitungamirirwa nana mazvikokota ve science.
Kunyangwe zvazvo vanhu vari kufara nekuwanikwa kwenhomba kana kuti ma vaccine ekudzivirira kubva kudenda re COVID-19, munharandunda dzatinogara mune kusaziva kwakati wandei maererano ne Vaccine. Kune vamwe vanhu vanofunga kuti Vaccine inorapa Covid nevamwewo vanofunga kuti kana uchinge watora vaccine watova njanji chaiyo.
Tinovimba mashoko mashoma ari pasi apa achakubatsira kuti unzwisise maererano ne Vaccine. Zvinyorwa zviri pasia apa inyaya yaitwa zvekusandurwa kubva muchirungu kuenda kururimi frwaamai rwe chi Shona kuti munzwisise.
Chii Chinombonzi Vaccine kana Kuti Nhomba Ye COVID-19?
Vaccine chinhu chinobatsira kuti muviri wemunhu uwane simba rekurwisa hutachiowana nehurwere hunenge hwapinda mumuviri. Vaccine rinobatsira nekugadzirisa pamwe nekusimbisa masoja emumuviri kana kuti ma antibodies kuti awane simba rekurwisa hutachiwana kana achinge asangana naho mumuviri.
Murairidzi we zve hutano hwevana ne hutano (Proffessor of pediatrics and immunology) pachikoro che Duke University School of medicine zvakare vari umwe wevari kuita tsvakurudzo dzezvenhomba pa Duke Human Vaccine Institute va Tony Moody vanoti ivo “ Vaccine rakafanana nekuti tongoti masoja emuviri wako aenda ku Gym kunosumdza simbi achigadzirira kuti kana mangwana muvengi auya obva amurwisa achimukurira.
“Zvikuita Nhomba kana kuti Vaccine ndzvekuti riri kudzidzisa masoja emuviri kuti agadzdire hondo iyo isati yauya kuitira kana kana ichinge yazouya, unogona kukwanisa kukunda.”
Va Moody vakawedzera zvakare vachiti takatarisana ne Coronavirus, Vaccine rinoita kuti munhu adzivirirwe mukubatira kubata hutachiona zvakare rinoita kuti usarware nechirwere che COVID-19. Kune uyo anenge abata chirwere, hachizomuonese ndondo seuyo anenge asina kubaiwa nhomba.
Ndinokwanisa kubata hutachiona hwe COVID-19 here mushure mekunge ndabaiwa Vaccine?
Hazvisati zvakunyatso zivikanwa kuti munhu anenge abaiwa vaccine re COVID-19 anokwanisa kurwara ne COVID-19 here huye hapasati pakunyatsozivikanwa kuti unodzivirirwa kwenguva yakareba sei ne Vaccine kunyangwe zvazvo humwe humboo huchazobuda pamberi apa pakuitwa inonzi post-trial surveillance.
“Izvi ndozvinofanira kunzwisiswa nevanhu vachatora vaccine. Munofanira kuziva kuti vaccine rinodzivirira kubva mukubata chirwere che COVID-19 kasi haizi nguwo yesimbi kana suit of amour yekuti ungatotemba kuti chero pakakandwa Mapfumo sei handibaiwe,” vakadaro va William Schaffner, mazvikokta vanoona nezvehutachiwona nekupararira kwaho pamwe nekudzivirira kwezvirwere pa Vanderbilt University School of Medicine.
Va Schaffner’s vakatsinhidzira vakati ivo “Nekuda kwekuti wapeta rwuoko rwe hembe yako ukabaiwa jekiseni hazvireve kuti wakufanira kurasa face Musk yako kana kuti wotanga kuregedza kutevedzera zvakatemwa kuti udzivirire kubata chirwere che COVID-19. Izvi zvinhu zvinofanira kutevedzerwa kekanguva kakati rebei.”
Ko Vaccine rinomboita marii?
Munyika ye Zimbabwe, mutungamira we nyika va Munangagwa pamwe nemutevedzeri wavo vanova ivo minister we zvehutano va Constantino Guvheya Chiwenga vakatsinhidzira kuti Vaccine richange richibaiwa pacehena pasina kana muripo.
Article translated by Michael Gwarisa and originally published on: https://www.aarp.org/health/conditions-treatments/info-2020/coronavirus-vaccine-research.html