Sei Zvakakosha Kumwa Ma ARVs Nenguva Huye Kuva Ne Wachi Nguva Dzose Kana Uri Pachirongwa

WACHI kana kuti Chiringazuva mudziyo wakakosha zvikuru kunyanya kumhunhu akurarama ane hutachiona hwe HIV huye ari pamapiritsi ema Antiretroviral (ARVS), vakadaro ve sangano re Family AIDS Caring Trust (FACT).

By Michael Gwarisa

Vachitaura ne bepanhau repamasai-sai re HealthTimes ku dunhu re Manicaland, Mukuru anoona nezvekufambiswa kwezvehutano (Community Health Officer) mu sangano re FACT, muzvare Mirriam Muchadzingwa vakati ivo vanhu vazhinji mudunhu re kwa Marange Ku Municaland vanorarama nehutachiona uye vari pa ma ARVs vanotadza kumwa mapiristi nenguva nekuti havana zviringazuva (Wachi).

Tine dambudziko guru munzvimbo dzatinoshandira nekuti vanhu vakawanda havana zviringazuva zvinoabatsira kuvaudza kuti nguva yekumwa mapiritsi yakwana. Nyaya yekumwa mapiritsi zvisina kurongeka kana kuti adherence haingorevi chete kuti munhi arikumwa mapirisitsi mazuva ose.

“Zvine chekuita nenguva, kuteedzera nguva yekumwa mapiritsi chinhu chakakosha zvikuru. Kana wakatanga kumwa mapiritsi ako ne nguva dzepfumbamwe (7:00) musi wawakatanga kumwa mapiristi, unofanira kuona kuti kubva zuva iroro zvichinenda mberi, ndidzo nguva dzaunotevedzera idzodzo, haufaniri kungo shandura nguva pamadiro nekuti izvi zvinokuisa panjodzi,” vakadaro Muzvare Muchadzingwa.

Hezvinoi Zvimwe zvinofanira kuitwa nemunhu akutora mapiritsi ake ema ARVs mazuva ose

Vanamazvikokota ve zvehutano hwe HIV vanoti kana munhu achinge abatwa ne chirwere che HIV anofanira kupinda pamushongwa wekudziviria kupararira kwe chirwere mumuviri. Izvi zvinofanira kuitwa uchitevedera zvawaudzwa nachiremba kana mukoti kuti uderedze hutachiona hwe HIV mumuviri inonzi muchirungu Viral load.

Kana uchitora mapiristi ako zvisina kudimburira huye mazuva ose nenguva, hutachiona hwe HIV hunoderera mumuviri hunogona kusvika pakusamboonekwa inonzi undetectable viral load. Izvi hazvireve kuti hausisina hutachiona kasi zvinogona kuderedza mukana wekutapurira chirwewre kumidikani wako waunosangana naye pabonde.

Hedzinoi Dzimwe nzira dzinogona kukubatsira kutora mushonga wako mazuva ose.

 

  • Tevedzera chirongwa chako chekumwa mapiritsi sezvawakaudzwa nachiremba kana mukoti. , mushonga we HIV unofanira kutorwa ne nguva dakafanira mazuva ose. Kana une muvhunzo maererano ne matorerwo emushonga, taura nachiremba wako kana kuti vebazi re National AIDS Council vari mudunhu menyu.
  • Tsvaga zvimwe zvaungaite pakumwa mapiritsi zvinogona kuti kumwa mushona kunakidze. Unogona kutanga kutora mushonga wako panguva dzako dzekumwa putu gadzike mangwanani kana kuti panguva dzekusvusvura Manheru. Semuenzaniso, kana chiremba wako kana mukoti vakakuti imwa mapiritsi ako nechikafu, ita seizvozvi, zvinokubtsira kuti usakanganwe.
  • Gadzira kahomwe kako keuchengetera mapiritsi ako kana kuti weekly pill box. Rongedza mapiritsi ako zvinoendera ne mazuva pavhiki wonyora iwe kuti aya ndeekumwa muvhuro, aya chipiri, aya chitatu zvichienda zvakadaro. Izvi zvese kuitira kuti usakanganwe.
  • Iva ne wachi huye wogara waka seta alarm. Pangave paphone, wachi kana papi zvapo pano budisa chiringa zuva
  • Tsvaga umwe wemhuri wanoukumbira kuti akurangaridze nguva dzose kutora mushanga wako. Izvi anogona kuzviita ne kutumira message kana whatsapp, kana kufona kana kukuudza nemuromo.

Gara uchiona chiremba kana mukoti. Izvi zvakakosha kuti ugare uchinogororwa kuti hutachiona hwakamira sei mumuviri. Taura zvakasununguka nana chiremba kana mukoti, izvi zvinokuita kuti uzvigamuchire kuti ukururama nehutachuin kasi hakuzi kuguma kwehupenyu.

Related posts