Kwava Nemhete Inodzivirira Munhukadzi Kuti Asabata Hutachiona Hwe HIV

MAIZVIZIVA here kuti kwava nemhete inodzivirira munhukadzi kuti asabatire utachiona hweHIV kubva kumunhurume? Mhete iyi inosunga utachiona mbira dzakondo kuti shwee, zvekuti hapana kupukunyuka kubva mungetani idzi.

NaCatherine Murombedzi

Muchirungu mhete iyi inonzi Depiravine ring, yakagadzirwa nemushonga unogadzira mapiritsi ema ARV. Vazhinji vanga vaine dambudziko rekunwa mapiritsi ekudzivirira HIV anonzi pachirungu PrEP. Mushonga we PrEP uyu unodziirira vaya vanoita bonde rangarisina dziviriro yemakondomu, naizvozvo vanoita kunwa ari mapiritsi.

Mhete itsva

Mhete iyi inosunga utachiona mbira dzakondo, kuisa ngetani utachiona huchiri pamusuwo chaipo. Mhete iyi haipfekwe munzeve, muchigunwe kana paguvhu, inopfekwa munhengo yemudzimai yemukati. Hairwadze, haionekwi kunze, uye kwemazuva makumi maviri nemasere (28) inopfapfadzira utachiona zvekuti hakuna kwakanoenda kachikara aka kanonzi HIV.

Mhete iyi ishumba yeHIV chete, musazotarisira kuti irwiseo zvimwe zvirwere zvepabonde kana kudzivirira mudzimai kuti asabate pamuviri.

Mudzimai anokurudzirwa kuramba achishandisa nzira dzekurwisao izvozvo. Mhete iyi haina zera, imhando inoshanda pamazera ere. Pakupera kwemazuva 28, mudzimai anobvisa mhete iyi nekuti yapedza basa. 

Mudzimai anokurudzirwa kuti ageze maoko nemvura nesipo asati apfeka kana kubvisa mhete iyi. Igaro ziva kuti siyarudzi haigezwe nesipo kana kuisa mishonga yekuti mudzimai adziye kana kudzora nzira, kwete kwete, mvura yoga yakakwana. Nzira yemudzimai inozvigeza yega nemvura dzinobuda dzega, chako mudzimai kushandisa mvura.

Mashoko anofadza aya ekukandwa mutirongo kweutachiona hweHIV munguva ino yekugedageda kwemeno nekuda kweshuramatongo yecoronavirus, COVID-19, muna 2020, akaziviswa nesangano reEuropean Medicine Agency (EMA) mumwedzi wapera.

Sangano reAvac, rine makore mazhinji richiongorora nzira dzekudzivirira kutapukira kweutachiona hweHIV muruzhinji.

Kupepetwa:

Nhau yemhete iyi yakagashirwa nerufaro nesangano reutano pasi rese reWorld Health Organisation (WHO). Ikozvino sangano Reno priti mushishi yekugadzira hwaro huchaita mafambiro, mashandisirwo nemutemo nekuwanikwa kuchaitwa mhete iyi. Pachirungu nzira iyi inonzi guidelines.

Nyika yega yega ine mitemo inoona kugashirwa, kushandisa uye kuti mishonga inokodzera here kuti ishandiswe nemhuri yenyika iyi. Muno sangano rinopepeta kodzero yemishonga inoshanda muno wevanhu uye nemhuka rinonzi Medicines Control Authority of Zimbabwe  (MCAZ).

Utsanzi 

Nyika yedu inodada kuve imwe yenyika dzakapinda muutsanzi hwerwendo rwemhete iyi. Dr Nyaradzo Mgodhi, chamangurangura mudzidzo iyi yakaparurwa kuchikoro chedzidzo yepamusoro University of Zimbabwe, (UZ)

“Mhete iyi yaunza rusununguko kuvanhukadzi, yavapa simba rekudzivirira utachiona hweHIV. Madzimai mazhinji aiwana utachiona pabonde nekuda kwekushaya mukana wesarudzo,” Chiremba Mgodhi vakataura pamambure nevanyori vehutano vemuno. Chiremba ava vanozivikanwa zvikuru nenhau dzekutungamira muutsanzi hwekupedza utachiona hweHIV.

Dr Nyaradzo Mgodhi

Chiremba mukuru wemunyika ino ane rudo neshungu mukupedza utachiona hweHIV, Dr Nyaradzo Mgodi vakatungamira ongororo iyi munyika ino vari pabazi redzidzo yepamusorosoro pachikoro chikuru cheUniversity yeZimbabwe. Bazi reutsanzi iri rinodzikadzika mukuongorora nekuferefeta nzira dzingaedza matambudziko nekurerutsa urwere. Pachirungu bazi iri riri pasi pebazi reUtano nekurerwa kwakanaka kwevana rinonzi

Dr Nyaradzo Mgodi MBChB, MMed, Investigator of Record, HPTN-084 Zimbabwe – University of Zimbabwe College of Health Sciences Clinical Trials Research Centre, and HPTN Executive Committee Member
                                             Dr Nyaradzo Mgodhi

Clinical Trials Research Centre. Dr Mgodhi vanova zvakare sachigaro

wenyika dzemu Africa panhau dzeutsanzi zvakare.

“Ndinofara kuti takavepoo parwendo rwedzidzo rwakaitwa rwemhete iyi. Mhete iyi inopfekwa munhengo yemukati. Mhete iyi inemushonga weDapiravine inouraya utachiona pamusuwo ipapo huchangoda kupinda mumuviri. Hakuna kwahunoenda, hunopararira ipapo. Mhete iyi haibviswe musi nenguva pakupera kwebonde sezvinoita kondomu rechidzimai riya, aiwa, kwemazuva anosvika makumi maviri nemasere inobaya utachiona huchifirapo. Iyi mhete ifirapo chaiyo yaitwa utachiona hweHIV. Munhukadzi ava nesarudzo pakuzvidzivirira utachiona hweHIV,” Dr Mgodhi vakazivisa vatori venhau mumusangano wakaitirwa mudandemutande redzidzo

mwedzi wapera.

Chiremba mukuru uyu akazivisa kuti mhete iyi haidzivirire pamuviri kana kubata zvimwe zvirwere zvakaita senjovhera.

[pullquote]”Mhete iyi inodzivirira mudzimai kubva kuutachiona hweHIV chete. Mudzimai anofanira kushandisa dzimwe nzira dzekudzivirira pamuviri dzekubayiwa jekiseni redepo provera, mapiritsi ekudzivirira kubata pamuviri, kusungwa chibereko kana kushandisa makondomu echikadzi kana ababa mukudzivirira mimba nezvimwe zvirwere zvepa bonde,” [/pullquote]vakawedzera chiremba.

MuZimbabwe vanhu vanosvika miriyoni nezviuru zvitatu (1.3 million) vanorarama neutachiona hweHIV. Vana vanosvika zviuru zviviri

(200 000) vanorarama neutachiona hweHIV. Madzimai anosvika zviuru zvinonwe nechikamu (750 000). Izvi zvinojekesa dambudziko guru reutachiona munyika ino rinotakurwa nemadzimai. (ZIMPHIA 2017).

Mhete iyi icharerutsa mutoro uyu nekupa mudzimai sarudzo.

Madzimai aisangana nemhirizhonga yekurasirwa mapiritsi nevarume uye kurambidza kushandisa makondomu. Simba redziviriro ravamumaoko emudzimai.

Related posts