Corona Yava Kuda Kuita Muonera Pamwe, Chuma Chemuzukuru

NYIKA yaminama iyi. Kunze kwaita chikara, Dzihwamupengo rasiya misodzi pamatama evana vevanhu. Vamwe ndivo vari kuti midzimu yatifuratira. Vamwe ndivo vari kuti mwari atipira gotsi. Hapana achaziva maperero azvo. Chinhu chimwechete chandinoda kukudzai ndechekuti nerimwe remazuva, kunyange iro Denda re COVID iri richapera tikadzokera pedu pakare paye. Kasi zvinoda kuti tibatirane pamwechete.

Na Sekuru Grant Murewanhema

Ngatirambei tichishanda pamwe chete kudzivirira kuwedzera kuparara kwechidzihwamupengo chadai kutekeshera nyika yose. Chirwere ichi chiri kuramba chichititorera vadikani vedu, vavakidzani nehama neshamwari, zvinova zvinhu zvinorwadza samare.

Ngatirambei tichiyeuchidzana kupfeka mamask zvakanaka, kumira takasiya nhanho inoita mita imwe mumitsara uye kugeza maoko edu zvakaringana nguva dzose. Kana tichikosora, ngatizviitirei mukati megokora kana patissue tobva tarirasa zvakakodzera. Ngatiregei kumbunyikidzana mumishikashika, muhambautare dzedu nemumabhazi.

Zvakakosha kuti tinzwisise kuti magungano anosanganisira rufu nemakereke ndiwo ari kuparadzira denda reCOVID zvakanyanya. Pamutemo wehurumende hazvitenderwe kuungana makadarika makumi matatu parufu asi tiri kuona mazana nemazana achiungana. Teverezvo, tiri kuzorwara takawanda uye mhuri dziri kuzorasikirwa nevanhu vaviri vatatu vakateedzana, zvinova zvinodzimba moyo kwazvo.

Hurumende yakatora matanho akakosha uye anoyemurika ekutsvaga majekiseni enhomba (vaccine) yeCOVID-19. Nhomba inoshanda kudzora ukasha hwedzihwamupengo kana ratibata, zvinodzikisa mukana wedu wekurwarisa, kupinda muchipatara kana kufa, uye dzimwe nguva inodziirira kuti tisabatwe nechirwere chacho. Zviri kubuda muongororo dziri kuitwa kune dzimwe nyika zvinoratidza kuti nhomba dziri kubatsira zvakanyanya chaizvo.

Handei tinobaiwa uye ngatikurudzirei vabereki nevasharikwa vedu kuti vaende kunobayiwa. Kubayiwa hakuna njodzi yakakura kuhutano hedu, kunyanya kana tichiringanisa nekutambura kwatingazoita tikabatwa nedzihwamupengo. Vanhu vakwegura vane makore makumi matanhatu nemashanu uye neanoraudzira, vane zvirwere zvakafanana nesugar neBP, uye vari kurarama neHIV vanokurudzirwa kubaiwa. Vana mai vanoyamwisa uye madzimai akazvitakura vanokwanisawo zvekare kubaiwa kana vachiona vari panjodzi yakanyanya yekubatira dzihwa iri. Pari zvino hakusati kwave neumbowo hwakawanda, asi zvinotaridza kuti jekiseni harina njodzi kumadzimai aya.

Kana tikange tabatwa nechirwere ichi, ngatiregei kumbeyambeya kana kuenda kumabasa kusvika mazuva akatarwa akwana tirege kuzadza vamwe. Kana tichinge tisina patinonzwa, mazuva aya igumi. Hama dzedu dzatinenge tichigara nadzo ngadziongororwewo. Pachirongwa chehurumende, kuongororwa COVID hakubhadhariswe.

Ngatibvunzanei ukama panhare dzedu nguva zhinji, torega kungoshanyirana shanyirana, kusara kwekunge zvizingaite kuregedza. Ngatinzwisisei kuti ibasa redu pamwe nehurumende nevezvehutano kudzivirira kuwedzera kuparara kwedenda, tizviise muhana dzedu. Tarisiro yedu yekudzokera pahugaro hwakanaka hwakaringana inouya tikashanda pamwe chete, uye tikabayiwa takawanda.

(Iwe neni tine basa. Mwari vakomborere Zimbabwe. Ndini wenyu, 
Sekuru Grant, Soko Mukanya. Ndatenda.)

Related posts