Madzimai Ane Zvivakashure Zvakati Kurei Haarware-rware

Nyaya na Michael Gwarisa

Mazuvano, madzimai nevasikana vari kumhanya mhanya kuda kuita zvidya mafuta zvisingakore kana kuti ma Slender. Hazvina kushata, kasi manga muchizviziva here kuti kune tsvakurudzo yakaitwa inoratdiza kuti madzimai ane mwanda we zvivakashure ane hutano uye haarware rware sezvinoita avo vasina.

Tsvakurudzo yakaitwa ne chikoro chezvidzidzo zvepmusoro che Oxford University’s . Pamadzimai zviuru gumi ne vavatanhatu (16,000) vakaongororwa musarudzi idzi varatidza kuti vakadzi vane zvivakashure zvakati kurei havangiorina njere chete muchikoro kasi havarware rware nezvirwere zvinonzi ma chronic illnesses zvinobata avo vasina.

Mukru we tsvakurudzo idzi, Muzvinafundo Konstantinos Manolopoulous vakati ivo: “Nyaya yekuti kuva nemafuta mumuviri yakakosha pahutano haizi itsva. Tichiri ipapo, fundo netsakurudzo zvakuratidza kuti kuva ne mafuta muzvidya, mahipusi ne magadziko zvakaonekwa manje manje kuti zvakakoshera hutgano chaizvo.”

Vana Mazvikokota vedzidzo vakaita tsvakurudzo idzi vakaona kuti kune nyama dzakati wandei kana kuti (Excess Adipose Tissue) dzinowanikwa nechekuzasi kunyanya muzvidya  ne magadziko dzinoshanda kudzivirira madzimai kubva kunjodzi dzezvirwere zvemoyo, zvirwere zve Shuga kana kuti Diabates nezvimwe zvirwere zvinokonzerwa nekuva ne mafuta akawandisa mumuviri inonzi iyo Obesity muchirungu.

Simba rema Mafuta anodzivirira anowanikwa nechekumagadziko nemuzvidya akaonekwa netsvakurudzo dakawanda kuti anodzivirira zvirwerere muvanhu vemakore akasiyana siyana, huye mumadzimai ane zvirwere zvakasiyanasiyana,” vakadaro vanyori muzvinyorwa zviri mu International Journal of Obesity.

Vakaenderera mberi vachiti ivo zvivakashure zvakati kurei zvinochengetdza anonzi ma Omega 3 fats ne homoni rinonzi Leptin rinoshanda ku chengetedza ne kuona kuti ma energy levels kana kuti simba remumuviri riri papi. Leptin rinonzi rinoregulater kana kuona kuti munhu afarira kudya here kana kuti kwete (appetite regulation). Ma Omega 3 fats anonzi iwo ano vandudza mashandiro enjere, kushanda kwendanagriro kana kuti memory function, ne Matauriro aunoita nevamwe.

Tsvakurudzo imwe chete yakaona kuti vana vanozvarwa nana amai vakasenga huye vane ma hipusi sharaude, vanenge vane njere kudarika avo vanenge vazvarwa nemadzimai asina nyama ne mafuta zvakati ooohh. Pane tsvakurudzo zvekare dzinoratidza kuti mafuta anowanikwa mumukaka waamai anogadzirwa iko kumuzinda we zvivakashure ne ma hipusi. Vana Muzvinafundo vanoti ivo madzimai ane mafuta akawanda mu nzimbo dzema hipuisi ne magadziko, vane mafuta e Omega3 akawanda huye mukaka wavo une ma fatty acids akakoshera mwana mucheche.

Kwenguva refu, vana chiremba vakaona kuti madzimai ane muviri wakaumbwa semuchero we Pear ndivo vane hutano kudarika vane miviri yakaita se ma apple. Muviri unenge Pear ndiwo uya unenge wakaumbika se Zingizi zvekuti pachiuno panoita sepakati dupukei kasi vane mwanda we zvivakashure wakati fashu fashu. Zvichakadaro, vaye vanzi vane muviri unenge Apple ndouya wekuti wakawadna mafuta zvekuti hauone kuti chiuno chiri papi huye vanonzi vari panjodzi yekurwarwa zvavakanyanya huye yekufa zvekungodonha.

Tsvakurudzo imwe yakashambadzirwa mu Annals of Internal Medicine, inoti iyo zvisineyi nekuti munhu akareba kana kupfupika sei, varume nevakadzi vane mafuta kunzvimbo dzezasi kune magadziko nemahipusi vari panjodzi diki yekufa nezvirwere zvipi hazvo kunyanynyanya zvirwere zvemoyo kudarika avo vane miviri ye zingizi.

 

This article is a translation from an article that was originally published by the 
globalnews.ca

Comments

comments

Related posts